Bhekie Bhekie

https://whatsapp.com/channel/0029VaJBte43bbV50PSJqU20

Muna Zvita ichange iri bata wabata kuita nzwirapamusana tsvimbo yarova dapi apo mutambo wenhabvu ukuru pasi rose muAfrica uchange uchiitika kubva musi wa 21 Zvita kunyika yeMorroco.


https://whatsapp.com/channel/0029VaJBte43bbV50PSJqU20

Zvichakadaro chikwata chevarwi venhabvu  vanodaidzwa ivo nechirungu kuti ma"Warriors" chichange chiri muboka rechi b chichivhengana nemamwe mapoka.

Zimbabwe yaiswa mupoto neEgypt iyo yaichatamba nayo musi wa22, kuchizotera Angola musi wa 26 kuchizopedzisira uyo watingati mutambo wakatarisirwa neruzhinji apo ichange ichitatsurana nevavakidzani vayo vekuChamhembe South Africa musi wa 29.
https://whatsapp.com/channel/0029VaJBte43bbV50PSJqU20

Uyu ndiwo mutambo wechisionekwi ujaya wemhandara, sezvo pose panosangana zvikwata izvi inenge iri bata wabata fungidziro inoti zvinodarika pfungwa dzenhabvu pamwe vanenge vakatakura dzimwe mhosva dzisina anoreva dzinokundwa munhandare yenhabvu.

Mutambo pakati pezvikwata izvi igaroziva kuti hakudanwi anonzwa.

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!