Bhekie Bhekie
Huwandu hwevanhu vanoshandisa migwagwa inopfura nekudarika uye ichipinda muSoutherton voungudza.
Vanoti ivo hauna paunopfura usina kusangana nemapurisa. Ukangoti koso dhuma navo, kungoti pote hekani waro vamire zvavo pavazvimisa.
Izvi zvaita kuti veruzhinji vape zvichemo vachiti zvirikukanganisa mafambiro evanoenda kumabasa, sezvo panguva inoitwa matollgate aya anenge akanyanyowandira nguva inoendwa kumabasa.
Izvi zvirikuita kuti vatyairi vazhinji vaungane mumigwagwa yeSoutherton vakaita mudungwe kunosvika kwazvakarehwa.
Zvichemo zvambokandwa kune vakafanira asi hapana kana anonzwa havatotsiurike mapurisa aya. Vanoita sevanonzwa kuita sevaterera kana vachitsiurwa.
Vanongoita mazuva maviri matatu vobva vati futi shaku shaku zvavo mumigwagwa.
Hakuna migwagwa inoshungurudza vatyairi senzira dzemuSoutherton.
Vamwe vanoti unofana uine madhora makumi mashanu kuti upfure zambuko iri.
Vatyairi vanototi haushairwe mhosva kunyangwe wakachena sei vanokuvheneka kusvika wasiya something

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!