Bhawa rakanaka pamba pako harisvike kana jeri rakanaka pamba penyu harisvike, doro haridhakwe asinganwe. Iwe sedungamunhu ndiwe une sarudzo yekushanya nzvimbo idzo mushure mekunge waona zvakakodzera.
Tinochingamidza zvikuru zvaparurwa nevaridzi vezvemutemo kuburikidza nemagariro atinoita mupfungwa mumazwi nemukuita. Uye munharaunda nemunyika.
Takatarisa Unauthorised Access(*S3)zvirikunzi kana uchifungidzira hako kuti mudiwa wako ari kuita gumbo-mumba gumbo-panze usatombofa wakaita pfungwa yekuda kupinda munhare kana leputopu yake, kana kumutera uchinyahwaira kuti uvhevhenure nekuti mhosva inosarira iwe unopihwa makore mashanu mujeri pasina kana nhaurirano.
Toenda pa Data Inteference (S4) ukangofungudzirwa kuti urikuda kugadzira, kupfudza,kukanganisa kana kudzimaidza kufambiswa kwemashoko unopihwa hako makore ako mashanu (5) ukazviita izvi mwana ari E.C.D. unodzoka avekuda kuenda grade 3 atove nevamwe baba kana amai zvichienderana nekuti wawasiya akavimbika kusvika papi.
Kusagona kutsitsa hana chaiko. Critical Info Disclosure (S5). Apa unosvika aroorwa mwana ukangoita guhwa rekusagona kubata hana. Zvirikunzi kwawazviona siya zviriko nyangwe zvine udzamu sei usazvireva ngazvigare muhwendefa yako zvikurusei kana riri shoko rine chekuita nekuti ringazokanganisa chimiro kana chiremerera chemunhu tanga wafunga usati wareva. Nokuti mutongo wacho wakareba pane gumi neshanu (15) uri muchizarira.
Uye tobva taenda pa Possession of Critical Info (S6) kuchengeta mashoko/nhau yausingafanire kunge wakaisa mukabati mako.Nhau yakarema yekuti varidzi vakazvinzwa vanoti yowe! yowe ko akange azviwanepi? Vakaziya kuti une mashoko akadai mukabati gara hako waonekana neveukama. Yalandlord ibva warega kubhadhara mwedzi iwowo nekuti musi waunobatwa Mairosi une makore gumi nemashanu (15) urikwakafanira vakuzarira hako.
Touya paye pane vanoda chaizvo kuita hutikitivha Private Recordings (S10) vozoti ahh ndakatotora humbowo zvichiitika kana kuti achitaura izvi zvinosungisa chaizvo imhosva hombe. Kuwanikwa uchitora kana kuisa parekodhi mashoko emumwe kana muchiita hurukuro iye asingazviziye kuti urikutapa nhau kwaari unopihwa hako makore maviri (2) uriko hako, tinozonzwa paBehind bars natete tiridha kuti ndiyo mhosva yako.
Misleading info (S19) hazvitenderwe zvachose kuparura mashoko asina kuvhenekwa asina umbowo, enhema uye anodudzira zvisizvo apa vanokutema havo nemakore maviri (2) kuchizarira.
Breach of confidentiality (S21) kutadza kubata hana kuita dzvene chaiko unoripa makore mashanu (5) Unenge waita hako dzvene waudza Tonde kuti "ahh mapurisa ari kuRuvinga akukutsvaga dai watiza wakananga nekwaMudhindo"
Apa taona vazhinji vedu vaenda. Kudenha kwakazara pamasaisai nokudaro Cyber Bullying (S22) irikuti iyo hubhuru bhuru pamasai sai hunokupa makore maviri (2) uchiyaura nekunyatsodzamisisa kuti kana ndikabuda handichadenhe vanhu zvekare pamasaisai kana kuvambunyikidza. Uye kusatozvibata imhosva kana uri padandemutande.
Pfungwa nemweya wekuda kuparadza nekukonzeresa kupesana nekusawirirana pfungwa dzekusada kubatana dzotsinhirwa ne Inciting Division (S24) izvi hazvina nhaurirano hakuna gweta,
mudzimu,n'anga kana muporofita anokumirira unopihwa hako mutongo wekugara hupenyu hwese mujere kana kwatete tiridha hauwane mukana wekuzopupura.
Nokudaro taipihwa chenjedzo neyambiro toita zvakafanira nezvakodzera kuti tizvichengetedze.
Tanzi dzipakate zvave kwatiri kuti ticharidza kana kuti ticharamba takangodzipakata
Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!