Bhekie Bhekie

Vabati vemitambo nemafaro vopomerwa mhosva nejaya 'Ngwere diki' achiti havasi kumubhadhara apo achinge aita basa.


Mashoko ake atenderera padandemutande oratidza kuti mwana haana mufaro kana pamufananidzo haachasekerere arikunzwa kuti oitwa nhapwa nekubatwa uranda.

Mashoko ake anobata  bata ma'parts' apo anoti adyirwa zveupfupi nevarefu. Sezvo varikumbunyikidza kodzero dzake semwana uye semuimbi.

Ndinoziva background yekwandinobva and ndosaka ndichiita zvinhu zvangu neshungu ndoda kuti kumba varare vadya 😭😭😭 ndobva ndauya kuShow kwenyu mondinyima mari yandinenge ndaimbira 😭😭😭 Mwari ave nemi🙏😭😭😭," anodaro achitumira padandemutande.

Veruzhinji voita muono wakasiyana nenyaya iyi vamwe vachiti ngaamboita zvechikoro, vamwewo ndivo vanoti baba vake ndivo vanyora mashoko aya, vamwe vanotiwo dai vanenge vamukoka vachizobhadhara sezvo ariye akatarisirwa nemhuri kumba kwavo.

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!