Bhekie Bhekie

Mubati weDagmedia vaMasveta vafarira kwazvo hurongwa hwemwedzi unocherechedza utano hwevanhurume zvikurusei gomarara uye uchikurudzira vanhurume kuti vabude pachena sadhiraivha wetarakita vasazvizvidze kutaura zvinovabata muhana.


Vakamirira divi reutano hwenjere muzvinakamba vaMasveta vanoti ivo ichokwadi kuti tinosangana nezvizhinji mungave mudzimba, muwanano, kumabasa kunyangwe kumafaro asi ngatitaurei.

"Ndinoziva hangu kuti hazvisati zvakunyatsoita kuti ini semurume ndotora nhumbi dzangu dzinekatondo ndowachira pazere vanhu, zvokwadi vanhu vangandiseka idi.

"Uku ndiko kurerwa kwatakaitwa sevanhurume kuti musatombozviti bufu, ukangoti bufu chete uri ndonda," vachitsigira patafura neminwe yavo kuratidza hukoshwa hwemhonzwa yavo.

Vanoti ivo hapana kuzvikuvadza kukuru kunodarika kuzvidya moyo nechinhu chaunokwanisa kungotaura sezvo mashoko asingatengeswe.

"Ndinoona sekuti tichiri hedu kure, handisi kuti hatisati tapara nzira asi patapara pacho idonhwe radonhedzerwa mugungwa.

"Zvinorwadza sei kunzwa kuti sahwira wako wawaidya naye mundiro imwe zuro uno akusiya, azvisungirira asiya anyora tsamba. 

Hama weh dai tangokwanisa kuzarura moyo yedu tawanawo wekutaurirana naye kurerutsa rwendo rweupenyu haruna anorigona," vachipupuma nehudokwa

Vakazobvisa maboni-boni vachipukuta meso sezvo dikita rakange rochiti chuuu  mumaziso vachindinangisa huso vachitura befu vachiti.

"Hongu kuita murume kunouya neudzamu hwako, asi hazvireve kt tine zvidziviso kumharwadzo zvikuru sei epfungwa.

"Njere dzedu dzakatakura kurema, dai zvaibvira takomekedza nekupfurira nechirongwa ichi, ramangwana redu rinenge rakati jekei,"

https://whatsapp.com/channel/0029VaJBte43bbV50PSJqU20

#keepingitblue

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!