Aita semaune muzuva ranhasi apo kanzuru nemenesiparati zvadzvanya imwe mota mudhorobha reHarare.
Muridzi wemuchovha uyu ati achibuda 'wani nguva dzangu hadzisati dzakwana, ndanyatsonangisa muchovha mumutsara uye handina kana chikwereti kune vese vanoona nezvemitemo yemigwagwa," achiringa ringa tikiti kutsvaga chipomerwa chake nesuwo tanga takamirapo nekukara nyaya tatoshayawo mhosva taona zvese zviri pamutemo pamuchovha uyu.
Pazouya vamwe vange vakadengezera kopisi vakati shweta gavi remuchiuono rakavambwa kubva kugushungo vaine boni boni vachibva vati...
'UTSVINA AMAI, HAINA KUGEZWA MOTA YENYU IMHOSVA HOMBESA.TIKAKUSIYAI MAKADARO TINENGE TAZVIDZA DARE,' vachidongorera havo nemumaboniboni.
Ipapo tese tangoti yowe mai vavo, zvazvinodai pamuti munyoro ko kuzoti pamuti wakaoma. Vaedza kudetemba asi hakuna kana avanzwa.
Vatonyatsoitsanangurirwa mhosva yavo vachivhurirwa magwaro vachioneswa gwinyiso romene.
Tazosiya vachiedza kufonera vabatsiri nevanunuri kuti vauye kuzovadzikunira mushambwa iyi.
Nokudaro vatyairi dai mambodirawo mvura pamichovha yenyu ionekere. Idi mhosva yamai ava ingaite sediki asi yakakurisa chaizvo.
Kungoshambidzika kwangonakawo hako.
Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!