Bhekie Bhekie
Ndisingazive hangu kuti mvura inonyatsokanganisei pakutyaira zvikurusei tudonhwe tunombopfunha-pfunha mudhorobha.
Kukangoita sekunge kwati sasa-sasa vatyairi vedzimota vanoita kunge nevo varikunaiwawo vari mudzimota.
Mafambiro anenge oita mota anonyatsorwadza uye achisiririsa, vanenge vakati kwati-kwati vakabatana kunge makumbo ezongororo vachityaira havo vachiti toti-toti.
Izvi zvinokanganisa zvizhinji mudhorobha sezvo vamwe vanengewo vane zvavanenge vachidawo kuita zvisinei netumvura twangoti svaa-svaaa.
Kungoita tumvura chete pfungwa dzevatyairi hadzichanyatsodhonza.

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!