Bhekie Bhekie
Takatombogara naye pasi akasimuka hake akati hamundiudzire zvekuita.
Mumutambo watambwa nhasi pakati pechikwata cheLiverpool neLeeds abuda ari manake-manake!
Liverpool yatanga kukanda hayo naNhukutuku achikanda pa48 ne 50 asati atombotura befu, achiti basa ndasiya ndapedza.
Musina nguva, chimbi chimbi chikwata cheLeeds chikati munonyepa imi hamungatitonge mumusha medu chichibva chakanda hacho chibodzwa pa'78' kuburikidzwa nemutomato .
Vaita sevasina kuzvinzwa kuti vange voda kudzora apo pa'75' vachibva havo vati kwecheeeee mumambure mfunge.
Tichangoti svikei pa'80 Liverpool yabva yapakata hayo ngoma pamusha pevanhu ichitanga hayo kudziridza. Ipapo Leeds ikati kudzipakata handi kunzi ridza.
Apo yazodeedza gwenyambirwa wekwaGutu Tanaka asinganzwe mufunge, achibva ati kana kangoma koririsa kanenge Koda kupaduka.
Pa 90 +6 Tanaka ati hake musatifendera! Mutambo uchipera hawo zvitatu- zvitatu 3-3
Ipapo ukaona Tanaka akabhura ziso unoti munhu kwaye mfunge, usingaziye hako kuti mahorrorš¤£

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!