Ehe tongotaura kuti vanoita sevakaberekwa nemunhu mumwe hunhu hwavo hwakangoteremira zvakafanana.
Chinoita sechokwadi chine kakuzvidza kana kubuditsa hutera hwavo, asi zvimwe ndezvimwe vana vanyamunhu vanonzwanana havo pachavo.
Ndinoreva ivoka vatyairi vemakombi, makondakita avo nemahwindi acho zvinonyatsonzwanana mufunge.
http:// https://whatsapp.com/channel/0029VaJBte43bbV50PSJqU20
Mukavaona vachipanana mukana mumugwagwa munonyatsoyemura kuti mukusarongeka kwavo mune kurongeka.
Pane kamwe kakungokorobherana korobherana kavanoita so kekuti kana wakanyatsononoka unomboyemura mabasa avo.
Tinosizviona mumigwagwa izvi mazuva ose!
Tochiuyawo hedu kune kamwe kahunhu hunhu kekushaya ganda kumeso kavanako. Ichi chokwadi ndikachivanza ndenge ndavhiringa matare.
Vakomana vanombowanza ivava ende vanokuudza mashoko ekuti ukanyatsozvitarisa hako wawega unonyatsoti yaah anhonga tsono.
Unotozonyatsozvitarisisa woona zveshuwa tsoka yako inenge muramba. Idi, une diti rinenge re'tesla', chidya chinenge shiri yavhiyiwa.
Ava havavanze havo mamiro ekunze zvikuru sei muviri wemunhu vanoti nemo nemo dyo.
Ndopaunotozoona kuti pasi idandaro shuwa.

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!