Bhekie Bhekie
Kuveurwa kwakaita Kudzanai mutema mubhoyi musoro koita vatsigiri nevamwe vaimbi vafunge kuti pamwe chekwaBaba Harare chamubata zvine simba.
Vanhu vazhinji vanga vajaira kuona Enzo ari Samson hake ane mukwende wake achirova kanjiva, kana usina kusimba tiza nebhebhi rako raroorwa.
Zvichiri kuda nguva kuti vanhu vajaire zvavepo vazhinji varimuvhunza ko sei azoveura musoro nereza iye akungotiwo kwakupisa uye vhudzi racho rainge rorema.
Avo vaanoyanana navo kubasa vofungidzira kuti zvimwe akuda kuita 'munhu waMwari' sezviye zvakamboitwa naBaba Harare musadaro.
Vazhinji vakuti tamirira muratidzo, nekuti mviro-mviro dzemhanza mapfeka.

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!