Mushure mekunge yaita seino nyebedzera kufembera n'anga yekuMali yapindana netsekwende apo yatadza kunhonga tsono.
Yakange yakanda hakata ikashimanda nekushopera ikavimbisa chikwata cheMali kukunda kumakwikwi emutambo weAFCON uyo wave pedo nekusvika kwamvura yacheka makumbo.
Zvichakadaro Mali yakange isina kutaurirana neSenegal kuti kun'anga kwanzi vazovaisira mari musokisi, nokudaro Senegal yakavatatsura.
Mushure mekukundikana vakaenda kunovhunzira vakasvika kumusha vakavhura ziso vachida kupihwa mari yavo €33,500 iyo yavakange vapa ndunge wavo.
Tikaisa pachikero chekuAmerica ikuba ichida kusvika kuzviuru makumi mana emadhora ($40 000).
Zvirikutofungidzirwa kuti masoja eko arikutoda zvekumutandanisa munyika yechizvarirwa.

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!