Mhuri yeGuruve chegore rapfura neratapinda richangotanga haife yakakanganwa. Zvichatora nguva asi rimwe zuva vachazokurukura.


Zvinogumbura! zvinorwadza kani, ndati zvinobaya moyo. Kubaiwa panyama nhete chaiko.Kuita kugurwa kunorira.

Hunhuiko? Moyoiko? Unzenzaiko? Upenziiko? Marwadzo eronda rakasirwa vanhu veGuruve naAnymore haana n'anga kana Chiremba anoropa.

Pfungwa hadzinyatsodzokedzane uye kuti dzinyatsodzokedzana zvichatora nguva zvikurusei kune avo vakabhinyirwa nekumbunyikidzirwa hama dzavo. Akange apa Anymore mvumo yekutora upenyu hwevanhu ava ndiani.

Akange apfekwa nei? Njere dzakange dzatiza here? Mukanzwa achitsanangura maurayiro aakaitawo umwe wevaakaurayo unonyatsonzwa moyo kusumuka.

Zvinonzi izvo akahweza umwe mudzimai nebanga mushure mekunge asvika achiita searikuda kukumbira mvura yekunwa. Akavahweza ndokuti dambu dambu miviri kwakutakura zvidimbu zvidimbu nechirongo achinocherera pasi sekunge ari kuviga imbwa, apedza akatora musoro nemazamu ndokuisa padivi

Achipedza izvi anoti iye akanzwa tsitsi kune mwana wamai ava akati anozosara asina anomuchengeta ndokubva amubaya nebanga katatu kwakunofushira.

Mazamu aamai ava akaenda navo kumakorokoza vakatenga kuita kuti migodhi yavo iputike 

Uye musoro wamai ava anoti iye akaubika kuukwatisa kutonyatsodya.  Anoti akazoti bengenu akakaruka achiona kuti yowe zvaari kudya musoro wemunhu waauraya

Ukazvitarisa ukaterera unopererwa vanganiko vakashungurudzwa kusvika pakudai nemhondi iyi. Hakuna mashoko anga natsurudze zviito zvemukomana uyu.

Zvairwadza vasara, nanhasi, marwadzo aasiya nehore yaasiya muGuruve ichanetsa kuchenura. Ronda raasiya richaita vanga guru richanetsa kupora.

Nenguva yakafanira dai avo vose vakakanganisirwa naZvitsva vazowanawo kunyaradzwa. Dai vazoporawo vawana rugare mumoyo mavo.

Kutonga handikwedu isu sevanhu asi dai taipihwa mukana tinodaira kuti Anymore taisada rivire ari mupenyu.


pic credit topSnashtv

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!