Bhekie Bhekie

Hama dzangu tamboreva paye kuti kukangonaya vatyairi vedzimotokari havanyatsoshanda mushe munjere, dzinoita sedzaiswa muzarira. 


Rimwe dambudziko zvekare ndere mota dzinotakura vanhu, kukangonaya vakomana vemakombi vanoti tsvatu waro munyama waro bonga. 

Unenge wakati nyakata nyakata, kana kuti usina hako kunaiwa asi wakamira kukwira motokari/kombi wonzwa hako mutyairi  nemushumiri wake vachideedzera havo mari yemazuva ose yakapetwa ruviri rutatu.

Kushaya kuti mvura inokwidza mutengo wemafuta ekufambisa here kana kuti unowedzera nzendo yemugwagwa.

Zvinhu zvinoti bata-bata maparts zvikurusei homwe unenge wakaita chikamu chako chekuparura mashandisiro emari esvondo woona yoweh *mai vavo mari haichakwana nekuda kwekuti vatyairi vakwidza mitengo yekufambisa.

Zvinorwadza chaizvo, kuzoenda kunze kwehomwe uchiedza kubatanidza kuti mari ikwane, apa unenge woda kuenda kumba wakunzwa madhambitanana unozopedzesera hako  warovera moyo padombo wongoti its ok

Asi uuhh.

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!