Bhekie Bhekie

Takaita mahwekwe kusangana naVaMuzvarirwi  chiremba wemaziso vakatipawo maonero avo maringe nedingindira remwedzi waMbudzi rinokomekedza vanhurume.


"Let's talk men's health" ndiro rimwe remamwe matingindira arikushandiswa kubuditsa  pachena zvimhingamupini zvinosanganikwa nazvo nevanhurume.

Hurongwa hwerwendo runo hunokurudzira vanhurume kuti vabude pachena, vasazvitsipika.

Kungave kushushikana mupfungwa,muhana, kutambudzika nezvinodhaka, urwere zvikurusei gomarara. 

VaMuzvarirwi vanotiwo mumashoko avo "Mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe imbwa"

"Mukukura kwedu nemarererwo atakaitwa sevanhurume taigaroudzwa kuti itsika yedu sevanakomana kuzvishingisa. 

"Ukareva dambudziko wainzi usafukura hapwa, hazviitwe nemurume. Kufa kwemurume kubuda ura, kana ura uchiri pawakagadzikwa gomera uripo.

Kuti uzobuda pachena semunhu rume uchitaura matambudziko ako unobva watosekwa chaizvo, zvekuti unodemba chawanga uchazvitaurira," vanodaro vachikwidza mafindifuva avo.

Vakaenderera mberi vachiti ivo, rinoita se jeye uchitsanangurira vamwe vako kunzvimbo dzekutandarira kuti urikumbunyikidzwa mumba  nemunhukadzi.

"Zvinenge zvichitonyatsonetsa kuti uzvireve

"Matambudziko aya mhedzisiro anozotikuvadza, vazhinji vedu vanozongoti kuzvipfuudza kukange nani," vanodaro vachienderera naro mberi shoko.

"Sevanhu vatema takavhiringwa netsika nemagariro izvo zvazotipa kushushikana mupfungwa parizvino, takanzi nyara ubve wanyararisa!" vachitura befu kuratidza kubatikana nemamiriro zvinhu.

Vatiwo ivo vamwe vanozotsvaga nzira dzekuzvinyaradza nadzo kuburikidza nezvinodhaka, kwete nekuti kuda asi nekuti vanenge vaona sekunge ndiyo nzira yakafanira.

Vaenderera naro shoko vachiti dai takwanisa kubvisa pfungwa nemakuriro atakaita takwanisawo kubuda pachena sevanhurume.

"Hakuna chisikwa chiri nani kupinda chimwe, chawana iwe chichandiwanawo mangwana, dai taisa musoro pamwe tabatsirana  kushandura pfungwa, magariro nehunhu hwedu sevanhurume.

"Ngatitaurei zvitirerukire hama dzangu. Zvinotanga newe sedungamunhu,"

#keepingitbluešŸ’™

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!