Bhekie Bhekie

Mashoko aparurwa kune rimwe boka rinofambisa nhau anoratidza kuti mukomana haasikufara nemaitiro edu senyika 


Anoti iye ""Kubva nditange kuita zve ma skits angu e SAY NO TO DRUGS handina kana organisation or someone akambondibata achida kubatsiridza pa basa iri kana kana ka1 manje ndosvikepi ndega se ghetto yut tichida kumisa zvinodhakašŸ™Œ".

Ringaite sesoko risina musoro asi zvinodhaka nezvinokanganisa utano igomarara ratishungurudza pasi rose. 

Hunzi mwana asingacheme anofira mumbereko asi 'Type ipi/ Staera Ipi' anyunyuta zvisina mukuru akamboona kusvika anzi mugoti unopihwa anyerere.

Zvino ovhunza ndikaramba ndinyerera pane chinobuda here, hongu tinenge tichiratidzira uipi hwezvinodhaka nezvinokanganisa utano kuburikidza nemaskits asi ngatisakanganwe zvinhu zvirikutoitika kwatiri senharaunda.

Nyaya iyi haisi yekuti tingati kuda kunakidzwa kana mkomana achiita izvi asi arikupa dzidziso nechenjedzo. 

Tinokumbirawo tiite mubatira pamwe tinzwe mhere yepwere hazvinei ine mukaka pamhuno, asi nyangwe hondo vamwe vakaiiudzwa nemurwere wepfungwa.

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!