Kusara kwe avo vazvamburwa matambiro anga achiita Morocco anoratidza kuti vanga vachiita sevanoziya kuti vachatora mukombe.
Vanga vachitamba sekunge zvanga zvakanyorwa pasi kuti vakakunda kare. Nhaurirano iyi pada vaiita namuzvinapembe kana mubatamutsara Senegal haina kuzviziya.
Pamwe dai Pap audzwawo mafambiro enyaya pamwe aisarudunura shinda sezvaaita achisiya varidzi vemusha vasina ganda kumeso.
Zvekuti ndivo varidzi vemusha zvashaya chiremerera. Mahumbwe avanga vachibika vazoudzwa nemhondoro kuti tave vanhu vakuru tinogara patinozvigadzika.
Zvirikutarisirwa kuti vachasvika gore rinouya vachingohwihwidza ivo vakomana veMorocco havana kunge vakazvitarisira.
Isu tanga tazviona hedu kuti mahumbwe aya vachadzorerwa magaba ava havo neSenegal.
Tichingoti makorokoto kune Mhondoro dzenhabvu muAfurika parizvino varatidzira.
Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!