Sosora anoenderera hake mberi.
"Ipapo anaSorojena nemadzisahwira vakatorana ndokuenda kunoitwa mwinyu mwinyu isina kuzonyatsopera.
Varimutumatare twavo hameno zvakafamba sei takazongoona imwe chembere yaive munhaurirano imomo ichibuda iri musvo yakashama hayo ichikwetsura mhere. Hapana kana akakwanisa kufugidza jira. https://whatsapp.com/channel/0029VaJBte43bbV50PSJqU20
Vakasiwa vachipengereka kusvika vaenda vanhu vakange vongotarisa apa kuungana kwakange kwaita vanhu hakusi kuti rwaive rudo aiwa vanhu vakange vapinda fear.
Hapana aida kufamba kana kutsauka pane vamwe nekuti pakange pava nekutya kukuru apa iniwo ndiri mutsva wetsambo.Ndaitotembawo neharahwa dzeikokoš¤£.
Munhu wandirikukutaurirai akange ane nharo neukasha. Ndakanyatsoona kuti chibasa chedu hachidi usina kutsitswa hana haaa unoputika ukakandwa mucoffin nemufi vanhu vachiti ukuziya zvauri kuita apa unenge uri hwapepe hwerima chaiho.
Zvakazonzi haaa tinenge tataurirana naye abvuma kupinda mumusha izvi zvakaitwa pakandwa zviyo nezvimwe zvandisina kunzwisisa kuti zvii hangu.
Takasesekedza naye kusvika mumusha vanhu vakaimba nekufara ipapo zvakanzi dai matochera guva chiriporipotyo.
Vaye vanochera vakati vatanga ndiye batei ruware, vakati ngatitsvagei pamwe sanganei neruware zvekare. Nharo dzacho. Vakabva vatsvagawo pamwe nekuda kunzi hatitongwe nevakafa.
Zvisinei vakabva vapawana havo basa rakatanga kutsva vakati vachipedza gomba ndobva razara haro mvura. Ukuwo kumba vakokeri nevashauri chakave chipatapata box rakaputika kusara mutumbi wakarara parupasa.
Pakayerera dutu remvura yaidzika ichibva nepaive pakaradzikwa mufi. Kuita mapopoma chaiwo. Uyu munhu aisada zvekutodaro.
Ini ndakange ndoda hangu kudzokera apa kwainzi hakufambike zvekudaro unotoda vamiririri. Ndakagaya hangu kuti ma1 atanga apa kuti ufonere mukuru hazviite.
Pakazokumbirirwa mushakabvu ndokunhongwa akadaro nerupasa rwake akadzoswa mumota. Kobvigweni kuti ndidzokere naye.
Ndakagaya nhamo yaanga ationesa ndikati veduwe ndorikwira sei gomo rine feso inobaya. Ipapo ndakatendeuka ndakashumira uchapupu hwandisati ndamboita.
Ndakanzi ndinoenda nevakuru vemumusha handina hangu kuita nharo asi zvakange zvandikanganisa zvandakange ndaona.
Kudzoka hatina kana kuita chakatinetsa. Mufi ainyatsonzwisisa kuita sekunge asina kana kuda kutiurayira Hurungwe. Zvinogumbura fani!.
Takasvika naye vakazoita chivanhu chavo. Akavigwa hake muChinhoyi. Pasina kana kupokana.
Ndichadzoka hangu umwe musi nenhoroondo kana nguva ichitendera"

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!