B2 murisei mudikani, chitupa siyai kumakombe
Wamai yamakatanga ihombe, hunzi chidembo hachivhiyirwe pavanhu asi haaa wangu mwana asingacheme anofira mumbereko.
Mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe,ini ndiri parumananzombe chaipo pandimire pakaoma chaizvo.
Ndakanoroora hangu musoja anove iye dangwe mumusha mavo, haaa ndakazvisikira moto muziso mai inotonga iyoyo ndinoita sekuti ndiri kumabharaki.
Akanditi hiwe, ndobva ndanyatsoona sekunge akabata gidi chairo. Ndinoona AK47 hondo yemataliban chaiyo.
Apa zvinonyanyorwadza tinogara naambhuya mushure mekunge tezvara vashaya Jessica akabva ati handei tinonyaradza amai, sezvo aive dangwe ndakaona sezvakanaka.
Ndayaura ndapfidza ini amwe mashoko andoudzwa haana kana chiremerera, utera hwangu hunonzi bvuu pavanhu haatarise kuti panani.
Patove nemakore mashanu achingoti arikungonyaradza amai, kana ivo mai vakabata kundishoropodza dhiyabhorosi anogara pasi otanga kudzidza achitora mienzaniso.
Ndinomboita pfungwa yekuti ndivo chete nemwana wavo vakauraya tezvara nekuti kuwirirana kwavo kwakanyanya.
Mudzimai wangu anorongera mai vake zvikomba, ndisingazive kana pazvikomba zvamai panewo chimudiwa-diwa chake.
Handina chine musoro chandotaura, kudoti tadi, taendawo kwedu unonzi hatina musha panyika, ini ndiri musoja ino inyika yangu ndotonga pano haundiudze zvekuita.
Asi uone tichangotanga kudanana Jessica aiyemurika, ainyatsondida chaizvo, paakazongowana basa arongerwa namai vake nekuti vaivewo musoja zvese zvakabva zvashanduka.
Handisi murume hangu pane vamwe.Ndinosuwa nekuzvishora kwazvo pamusaka pesarudzo yandakaita dai ndakaziya haitungamire shuwa.
#keepingitblue š
Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!