Chokwadi mbudzi kudya mufenje hufana nyina. Jani kuita dzungu huona Sipidhi.


Hatina hedu kunyatsoziya zvaakafambira muno mukomana wedzungu asi akazobva muno aine shamwari yepamoyo iyo yakaita buda ndibudewo naye pachiso kufanana semabhanzi chaiwo.

Zvirikufungidzirwa kuti pakati pevabereki vepwere idzi panogona pane anenge akashereketa nekuti vakanyanyofanana.

Voruzhinji votenda Jani nedzungu vachiti chikomana chakabata basa  guru. Chichiratidzira kuti hachina kutsitswa hana chakazhandukirawo.

Vakayemura mabasa aya vanoti ivo, dai ambochingamidzwawo zvine mutsindo paanodzoka kuZimbabwe sezvo akambombeya kuona Afurika namukoma wake Sipidhi uyu ane dzungu promax.

Vachambodya nyika rutivi vachiona havo nyika yeAfurika.

Kuti panewo akafanana neniwo akadzikamira seni ane mari chaizvo ngaauye tionesane pamwe tingatenderero Afurika takadzikamira.

Tinenge tavekunzi hedu anahozhwa nekuti zvedu tinoita zvekunonokera.

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!