Bhekie Bhekie

Zvichiratidzika kunze uku zvinoita senyore, asi aiwa pane kakuremerwa kanoitwa nevabereki vanotiriritira mhuri sedungamunhu.


Matambudziko haana kusiyana nekuti uri murume kana mukadzi kurwadziwa nekushanda kwacho kuriritira mhuri kwakafanana.

Hakuna zvekuti nekuti uri murume zvinoita kana kuti urimukadzi zvinoita hazvishande.

Kana museve woda havo nyama unomira sababa iwe uri mudzimai, ugomira samai iwe uribaba. Kuri kuedza kupa vana zvakafanira.

Tingange takaita mhosva dzedu tikapesana kana kuti takapesanidzwa nendufu asi uyo anenge asara anosara achimira mira.

Kune avo varikukakata kuti dzisimbe tinokutendai. Huvepo hwenyu hwakakoshera vana venyu.

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!