Bhekie Bhekie
Hongu yakaburwa naTocky rwendo runo ndiyo chisionekwi humhandara hwamai, hapana ati azviita sedungamunhu kubuditsa dambarefu rine dzimbo zana.
Muzana macho tingaite sejeye asi ukadziterera zvishoma nezvishoma unonyatsosvika pakuyamura Chamakuvangu.
Hauzoshaye dziviri dzitatu dzaunonhonga, uye haushaye chaungadzidza padziri. Rwiyo rwakabata dambarefu 'Mashangurapata ' idapuraunanzva nzwira pamusana tsvimbo yazvinda dapi kumusana riripamushana.
' Mweya wako unozorora sei ukange wafa nenhamo kana kuti mweya wangu ungazorore sei ndikange ndafa nenhamo ' izvi parwiyo urwu zvinoratidza kuti mukurarama tese tine shuviro netarisiro yekuita zvakanaka asi zvinozoendawo nepamwe kana nguva yapera asi unoenda uine shungu dzekuti hadzivanzike dzinotadza kubatika shungu idzi asi dzinenge dzichioneka. Mupfungwa nemumoyo mune shuviro.
' Panotambwa ngoma ' iyo iripowo inoratidzira kuzvisunungura mupfungwa nekuzvipawo mukana wekumbotura nekusaterera twese tunoshura matongo ako wongozvifarirawo hako pasinei nekuti kunze kunei. Kunyatsozvikanda kumafura mhepo,wonyatsozvifefetedza nepurezha hako.
Toendawo pana 'Kweche Kweche 'ndokwech ekwedza _ndomwisa chete ...'pamashoko aripo pana kweche anobuditsa matambudziko arikurwisanwa nawo nevanhu, asi mukutambudzika uku iwe semunhu ukuzokunda sei urikutora sarudzo ipi kugumirwa here kana kuti ukutsvaga nzira yekubuda nayo pakamanikana nyangwe nzira ichiita seyaguma.
Tovhevhenurawo ' Dai uri wangu ' iyi inobata nezvemoyo hakuna asinawo wake, sekuziva kwenyu mazuvano vanhu vane vanhu vavo asi mukuva nevavo kune vanototi dai tadiwawo neavo, kuita kuyemura ndima yemumwe uchishoropodza kana kuzvidza anoirima uchinzwa kuti ungaite zvirinani.
Pana ' dai uri wangu ' pane paanoti ' dai uri wangu ende zvaibuda so suwiti' hongu angaite semashoko akanaka asi zvine kakuda kuratidzira masimba kuti uyo wauinaye haasi kukwanisa kukuchengeta asi ndokwanisa.
Izvi ndozvikuitika chaizvo muwanano yamazuvano zvane kakuda kuratidzira kuti pane anokunda umwe. Anenge achikuda iwe wakadiwa kare kana kuti unewo wako anokuda.
Ngatitorei nguva tinyatsombogarira pasi dzimwe dzenziyo hongu mukutanga takaseka tikati apindwa nei Chamakuvangu asi, nguva inodudzira chete.
Todzika hedu nedzimwe dzatakarairawo, hatina hedu kukanisa kurava dzese asi muzvishoma izvozvo tinongoti 'chekudya chese ramba waraira'
'Ndipe ' ft Mr Attention, Bleqboi tha Don iyi inziyo yerudo yakanyorerwa vadiwa-diwa vaye vakatenda kuti rudo ruriko paidi vachikurudzira kudanana pachena kana hana dzichinge dzaroverana panenge pasisina chekuvanza.
" ndikakurasa ndingatora ka mademon, ndiye wandakada akakudza moyo une mboni" apa vakomana vairatidza havo kudhomorwa last number nemudiwa wavo.Chinovewo chinhu chakanaka kutenda pawadiwa nemoyo wose uchitenda kuti pane anoita kuti usekerere mazuva ose
Tobatawo kamwe kanonzi ' Ex ' aka kano ratidza kuti mvura haife yakaregera kufamba nepayakambofamba napo mumashoko ari munziyo iyi
'Ndotadza nei kukuda zvekare, ini ndakamboda, Ndotadza nei kukupa rudo zvekare ini ndakambokupa rudo rwemandorokwati, chegwendo guno ramba wakati kwati handingambokuvenga ex ' kunyangwe zvazvo masiyana vanhu tambai mushe,moregawo kutandarira kunzvimbo dzamaisifara nana ex venyu ndangariro kana dzisati dzasimba.
Ndidzo dzimwewo dzandakakwanisa hangu kumborava muhari iyi

Comments (0)
Join the conversation
Sign in with Google to comment and like articles
No comments yet. Be the first to share your thoughts!