Hingirandi rimwe divi redhorobha riri kuchema nekudemba mikana yapotswa uye kunyunyuta nemaperero aita mutambo weManichesita.


Ukuwo rimwe divi angori makuwerere ingori batai wabata apo vari kune divi iri varikupururudza apo vabaya mukwikwidzi wavo panyama nhete. Izvo zvanga zvisina kutarisirwa kunyangwe neUnited yacho.

Hingirandi nhasi yakapatsanurana hameno zvichapera sei nekuti mutambo uyu uchataurwa nezvawo kuti musi wemugovera zvairwadza vasara.

Tamboedzawo kuda kuvhunza vatsigiri veCity kuti maparts arisei ipapo tikabva tada kuratidzwa zvishandwa tanga tabhurwa tanzi " afirwa haatariswe kumeso".

United ikatamba zvakanaka ichasvika pane City, City yobva yasvika pane United.

Comments (0)

Join the conversation

Sign in with Google to comment and like articles

No comments yet. Be the first to share your thoughts!